Nyamavhuvhu Wakundikana

Nyamavhuvhu wakundikana
Wakundikana kuvhuvhuta zvine mutsindo

Mashizha ezhizha rapera zvaakangosvibira
kubatirira pamibayamhondoro

Nyamavhuvhu wakundikana
Wakundikana kuzunza makore ayo

bumharutsva yorambira muchadenga
gore rino kana pfumvunza hatidziwoni

Nyamavhuvhu wakundikana

wakundikana kutiwunzira zvitsva.

 

©By Batsirai E Chigama, 2013